Hatitambe chibhubhubhu kuno kuChippa, Mpengesi otsanangura kudzingwa kwaKlate

Muridzi we Chippa United, Siviwe Mpengesi, ashoropodza zvikuru matambiro aiita chikwata ichi pachairairidzwa na Daine Klate, zvinova zvakazoita kuti amudzinge basa.

Payaitungamirirwa na Klate, Chippa yakakunda mutambo mumwe chete paminomwe aikatamba mumukwikwi eDStv Premiership, zvinova zvakazoita kuti murairidzi uyu adzingwe basa svondo rakapera.

Achitaura kekutanga kubva Klate asiya basa, Mpengesi, uyo anoziikwana pasi rose netsika yake yekutandanisa varairidzi, anoti Klate akapihwa nguva asi matambiro aiita chikwata aisafadza, zvinova zvisina kuzoshamisa kuti aisakunda pamutambo.

“Klate takamupa mukana, rangarirai kuti bhora rake raisanakidza zvachose, asi mukana takamupa,” Mpengesi anoudza bepanhau rekuSouth Africa re FarPost.

Mpengesi anoenderera mberi achiti panguva iyo Klaite aiva pabasa, Chippa yaingo paka bhazi, zvinova zvisingadiwe nevaridzi vechikwata.

“Klate akashanda zvikuru na Gavin Hunt. Bhora racho harivaraidze, kupaka bhazi chete, zvinova zvatisingade kuno kuChippa United,” akadaro Mpengesi.

Copyright © Soccer24, 2024. All Rights Reserved
NEWS MATCHCENTRE TABLES VIDEOS