Ndiri kutambudzika, vandaibatsira vandikanganwa: Nyasha Chazika

Aimbova mutambi wechikwata che Dynamos, Nyasha Chazika, anoti ari kurwadzikana zvakanyanya nemararamiro aava kuita mazuva ano,  nekushaya hanya kweavo vaimbobatsira.

Chazika akaita mukurumbira kuDeMbare mazuva e’Kidznet’ kunana 2000 apo chikwata ichi chairairidzwa na Moses ‘Bambo’ Chungwa.

Akatambira chikwata ichi zvakare ari captain, aine makore gumi nemasere, achitamba nana Norman Maroto, Leo Kurauzvione, Eddie Mashiri, Elliot Matsika, nevamwewo.

Chazika anoti zvinhu hazvina kumumirira zvakanaka pamararamiro aari kuita, zvinova zvakazoita kuti atange kutora zvinodhaka kuburikidza nekushungurudzika.

Kusabatsirwa nevaakambobatsira, uye kushaya kwavo hanya nemagariro ake, ndizvo zviri kumushungurudza.

“Hama dzangu dzakandirasa, zvisingaite. Vanhu vandaibhadharira mari yechikoro pamwe nekutengera nhumbi dzechikoro vandikanganwa,” akadaro Chazika, achiratidza kushungurudzika kukuru.

“Ini handisi munhu wezvinodhaka, asi vanhu vakandirasa. Vava kundibata kunge junk, kunditora kundikana mubin. Ndiri kutoedza kuda kubuda mubin imomo ndiri ndega.

“Ndine shamwari dzine mari, dzekuti ukadziona apo zvonzi yanga iri best friend yaNyasha iyo, munoramba. Saka zvimwe zvinhu zvinondirwadza izvozvo, kuti handingatambure vanhu ivavo varipo.

“Vamwe vatori nemari dzangu dzandikatovarekweretesa, asi kuti ndiwane mari idzodzo zvinotonetsa. Asi hupenyu uhwu ndakangoutambira ndikauisa kuna Mwari,” akadaro Chazika.

 

Copyright © Soccer24, 2024. All Rights Reserved
NEWS MATCHCENTRE TABLES VIDEOS