Billiat otsikwa konzi zvakare paJoza

Mutambi wemuno anotambira chikwata cheKaizer Chiefs kuSouth Africa, Khama Billiat, ashoropodzwa zvakare, mushure mekunge anzi bhora raari kutamba harienderane nemari yaanotambira.

Billiat, uye ane makore 32 ekuberekwa, akaenda kuChiefs achibva kuMamelodi Sundowns mugore ra 2018, asi anongoshoropodzwa nevatsigiri vechikwati ichi nanhasi.

Haasati anwisa mumakwikwi eDStv Premiership mwaka uno pamitambo minomwe yaatamba, izvo zvinova zvaita kuti ashoropodzwe nekuda kwekuti anotambira mari yakawanda.

Keegan Dolly, uye anotambira mari yakapfuura vese kuChiefs, haasi kunyatsotambawo rine maruva, uye akanwisa kamwe chete mwaka uno, zvinova zvaita kuti vaviri ava vashoropodzwe.

“Bhora ibhizimusi, zvichireva izvo kuti vanenge vachitambira mari yakawanda ndivo vanofanira kunge vachigonawo kudarika vamwe. Saka ndizvo here zviri kuitika pana Billiat na Dolly? Kwete,” Norman Smith, uyo akambotambira Golden Arrows, akataurira bepanhau reku South Africa re Kick Off. 

“Bhora raunotamba rinofanira kuenderana nemari yaunopihwa. Ukasatamba bhora rakanaka iwe uchipihwa mari yakawanda panoita dambudziko, zvekuti kana iwe pachako zvinofanira kutokunetsawo.

“Ndozviri kuitika pana Billiat naDolly. Munozviona sei, kuti munhu asiri kutambira mari shoma shoma achigona bhora, ivo varipo vachipihwa yakawanda, anonzwa sei?.

Kutaura chokwadi chaicho, Billiat na Dolly pamwaka uno havasi kutamba bhora rinoenderana nemari yavanotambira,” akaenderera mberi Smith.

Copyright © Soccer24, 2024. All Rights Reserved
NEWS MATCHCENTRE TABLES VIDEOS