Kuti CAPS ingaende pasi pemuti?

Mitambo mitanhatu yeCAPS United yasara muCastle Lager Premier Soccer League mwaka uno, inoratidza kuti zvinhu hazvina kumirira Makepekepe mushe, uye tarisiro yekuenda pamusi pemuti iripo.

Vakomana vaLloyd ‘Lodza’ Chitembwe, avo vakakunda kamwe chete mumitambo shanu yadarika, vari pamusoro pe relegation zone nema points 6 chete.

Pamitambo yavo itanhatu yasara, vakomana veMakepekepe vachasanga neTriangle United iyo yamuka zvikurusa, muNational Sports Stadium.  Vapedza neTriange, vachaenda kwaRusape uko vanonotamba ne Cranborne Bullets kuVengere.

Vabva ikoko, vachasangana neFC Platinum ya Norman Mapeza, iyo iri kudzidambura kuseri nekuseri mwaka uno.

Zvikatofamba mushe, Mapeza nevakomana vake, vakarova CAPS, vanogona kubva vatopihwa mukombe.

Mushure mekunge yasangana ne Platinum, CAPS ichanotatsurana ne Chicken Inn kuBulawayo. Yabva  ikoko, ichagamuchira Bulawayo Chiefs kuNational Sports Stadium.

CAPS ichapendera mwaka uno, apo ichamisidzana ne muvengi wayo mukuru Dynamos muNational Sports Stadium.

Makepekepe inofanira kukunda kana mitambo mitatu yasara kuti ive iri panakana panopera mwana uno.

Captain wechikwata ichi Phenias Bamusi, akabvuma kuti iye nevamwe vake, havana kutamba padanho rinotarisirwa kuCAPS, mwaka uno.

“Tinonzwisisa nyunyuto yevatsigiri vedu,” akadaro Bamusi achitaura ne Soccer24.

“Hatina kunyatsotamba zvakanaka, kwete musi wemugovera wadarika chete (pavakakundwa 0-1 neYadah), asi kutoi mwaka wese chaiwo. Tine hurombo.

“Kunyangwe ini sa Captain, handinawo zve kutamba zvinotarisirwa nevatsigiri veCAPS, pamwe chete nevatungamiriri vechikwata ichi.

“Asi semaziviro andinoitawo zvichienderana nemakore andatamba bhora, misi haifanane uye mwaka unotevera ndichashanda nesimba, zvichaita zvakanaka,” akaenderera mberi Bamusi.

 

Copyright © Soccer24, 2024. All Rights Reserved
NEWS MATCHCENTRE TABLES VIDEOS