Ndiraya ngaaende: Vatsigiri ve Dynamos voratidzira

Vatsigiri  veDynamos vakaratidzira nezuro kunhandare ye National Sports Stadium, uko vanga vakundwa ne Ngezi Platinum Stars, vachiti muraidzi wavo Tonderai Ndiraya, anofanira kusiiswa basa.

DeMbare yakakudwa 0-1 kuburikidza nechibodzwa chakanwisa naDeric Murimba mumwaka wekutaga wemutambo uyu, uyo wakaonekwa ne 1200 vanhu chete pa ‘7 miriyoni’.

Vakomana vaNdiraya vasiiwa nema points gumi nerimwe neFC Platinum, zvinoreva izvo kuti mukombe we Castle Lager Premier Soccer League, uyo wavakapedzisira kutora mugore ra2014, vachiri kuita wekurota.

Mutambo uchangotanga, vatsigiri veDynamos vakanga vava kutoimba kuti “Ndiraya paumire pakaoma,” mushure mekunge Murimba anwisa.

Pakapera mutambo, Gift Muzadzi, anova goalkeepers coach kuDeMbare, akapotswa nebhodhoro neumwe mutsigigiri, uyo akakanda achibva atiza.

Ndiraya paakabvunzwa nevatori venhau pakapera mutambo kuti nziyo dzaiimbwa akange adzinzwa here uye anoonawo sei nyaya yekuti basa rake riri patambo, akati: “Handina kuzvinzwa, naizvozvo handina chekutaura.”

Vatsigiri veDeMbare vakazomirira Ndiraya panopindwa napo muNhandare, vachiimba nekuratidzira, vachiti ngaasiye basa.

Chinokatyamadza ndechekuti vatsigiri ve Dynamos vakazenge vava kuimba kuti “tinoda Mablanyo (Lloyd Chigove) uyo wavakaimbira kuti ngaaende akaenda, mugore ra2019.

Copyright © Soccer24, 2024. All Rights Reserved
NEWS MATCHCENTRE TABLES VIDEOS